Generic selectors
Exact matches only
Search in title
Search in content

Nyeredzi by Jah Prayzah

Image By Mood Converter
Spread the love

Lyrics for Nyeredzi by Jah Prayzah

Hona nguwo dzaakashonga
Nyemwerero inobaya moyo wozorora
Uchamuona pose paanosvika
Anoti makadii nemutsa moyo wozorora
Uchamuona achityora muzura moyo wozorora
Uchamuona akasenga chirongo moyo wozoro(ra)

Uyo akasunga chuma ndongoti anendorochena
Usimuke pakati pevamwe ndikusarudze
Uyo akasunga chuma ndongoti anendorochena

Nyeredzi vaima ndikuone
Vekwedu vanokubayira mombe
Dai wangondida ndikudewo
Toita tsika nditsikewo
Nyeredzi vaima ndikuone
Vekwedu vanokubayira mombe
Dai wangondida ndikudewo
Haa taita tsika nditsikewo

Kure kwegava ndofira mukuzama
Mmm chido chehana ndotofira mukuzama
Mmm kure kwegava mm ndofira mukuzama
Mmm chido chehana ndotofira mukuzama

Kuti ndisiye moyo waramba
Ndivate hope dzaramba
Kuti tana hoo (tana) tana (tana)
Kuti ndisiye moyo waramba
Kuti ndivate hope dzaramba
Tana (tana) taana (tana)

Nyeredzi vaima ndikuone
Vekwedu vanokubaira mombe
Dai wangondida ndikudewo
Toita tsika nditsikewo
Nyeredzi vaima ndikuone
Vekwedu vanokubaira mombe
Dai wangondida ndikudewo
Ha toita tsika nditsikewo

Haa rurimi kamoto
Dzinenge ndimi dzerudo
Kunge chumi chezvipo
Kunge gumi renziyo
Mmm rurimi kamoto
Dzinenge ndimi dzerudo
Kunge chumi chezvipo
Kunge gumi renziyo

Usimuke pakati pevamwe ndikusarudze
Uyo akasunga chuma ndongoti anendorochena

Nyeredzi vaima ndikuone
Vekwedu vanokubayira mombe
Dai wangondida ndikudewo
Toita tsika nditsikewo
Nyeredzi vaima ndikuone
Vekwedu vanokubayira mombe
Dai wangondida ndikudewo
Haa toita tsika nditsikewo


Spread the love

Leave a Reply

Your email address will not be published.

00:00
00:00
Empty Playlist